Judges 20:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋana ʋaBenjamini ʋakaŋga ʋabva kumaguta ʋakaʋereŋgwa musi uyo ʋakaȿika ʋarume ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀitanhatu, ʋaigona kurwa nomunondo; ɀino ʋakaŋga ʋagere Gibea haʋana‐kuʋereŋgwa, iʋo ʋakaȿika ʋarume ʋanamazana manomŋe ʋakasanaŋgurwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakarepo vaBhenjamini vakaunganidza varume veminondo zviuru makumi maviri nezvitanhatu kubva mumaguta avo, pamusoro pamazana manomwe akasarudzwa kubva kuna avo vaigara muGibhea.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusoro pamazana manomwe avarwi vokurwa namapakatwa vakanga vaitwa zvokusarudzwa kuGibhea, vokwaBhenjamini vakaunganidzawo makumi maviri ezviuru nezviuru zvitanhatu zvavarwi vakanga vatoitwa zvokutosarudzwa mumaguta avo, nguva iyoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vana vaBhenjamini vakanga vabva kumaguta vakaverengwa musi uyo vakasvika varume vane zviuru zvina makumi maviri nezvitanhatu, vaigona kurwa nomunondo; zvino vakanga vagere Gibhea havana kuverengwa, ivo vakasvika varume vana mazana manomwe vakasanangurwa.
Shona 2009?
Vana vaBhenjamini vakanga vabva kumaguta vakaverengwa musi uyo vakasvika varume vane zviuru zvina makumi maviri nezvitanhatu, vaigona kurwa nomunondo; zvino vakanga vagere Gibhiya havana kuverengwa, ivo vakasvika varume vana mazana manomwe vakasanangurwa.
Shona SUB 2002 Bible
Vana vaBhenjamini vakanga vabva kumaguta vakaverengwa musi uyo vakasvika varume vane zviuru zvina makumi maviri nezvitanhatu, vaigona kurwa nomunondo; zvino vakanga vagere Gibhia havana kuverengwa, ivo vakasvika varume vana mazana manomwe vakasanangurwa.