Judges 20:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋana ʋaIsraeri ʋakasimuka, ʋakaenda Beti‐eri, ʋakandobvunza zano kunaMŋari, ʋakati: Ndianiko kwatiri unofanira kutaŋga kundoʋamba ʋana ʋaBenjamini? Jehova akati: Juda ndiye unofanira kutaŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaIsraeri vakakwira kuBheteri vakandobvunza Mwari. Vakati, “Ndiani wedu achatanga kundorwa navaBhenjamini?” Jehovha akapindura akati, “Judha ndiye achatanga kuenda.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri vakakwira kuenda kuBhetieri kundobvunza Tenzi kuti, “Nderipi dzinza redu richatanga kundorwisa vokwaBhenjamini?” Tenzi akati, “VokwaJudha ndovachatanga kuenda.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vana vaIsiraeri vakasimuka, vakaenda Bhetieri, vakandobvunza zano kuna Mwari, vakati, “Ndianiko kwatiri unofanira kutanga kundovamba vana vaBhenjamini?” Jehovha akati, “Judha ndiye anofanira kutanga.”
Shona 2009?
Vana vaIsiraeri vakasimuka, vakaenda Bhetieri, vakandobvunza zano kuna Mwari, vakati, "Ndianiko kwatiri unofanira kutanga kundovamba vana vaBhenjamini?" Jehovha akati, "Judha ndiye anofanira kutanga."
Shona SUB 2002 Bible
Vana VaIsiraeri vakasimuka, vakaenda Bhetieri, vakandobvunza zano kuna Mwari, vakati, “Ndianiko kwatiri unofanira kutanga kundovamba vana vaBhenjamini?” Jehovha akati, “Judha ndiye anofanira kutanga.”