Judges 20:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakamuka maŋgwanani, ʋakandodzika matente aʋo kuzorwa naʋeGibea.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Fume mangwana, vaIsraeri vakamuka vakadzika misasa pedyo neGibhea.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mangwana acho vaIsiraeri vakamuka mangwanani vakandodzika matendhe avo pedyo neGibhea.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vana vaIsiraeri vakamuka mangwanani, vakandodzika matende avo kuzorwa naveGibhea.
Shona 2009?
Zvino vana vaIsiraeri vakamuka mangwanani, vakandodzika matende avo kuzorwa naveGibhiya.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vana VaIsiraeri vakamuka mangwanani, vakandodzika matende avo kuzorwa naveGibhia.