Judges 20:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Madzishe aʋanhu ʋose, iʋo ʋamarudzi ose aʋaIsraeri, ʋakandomira paʋuŋgano yaʋanhu ʋaMŋari, ʋakaŋga ʋaneɀuru ɀinamazana manna ɀaʋanhu ʋaifamba namakumbo, ʋaigona kurwa nomunondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vatungamiriri vavanhu vose vamarudzi eIsraeri vakandomira panzvimbo dzavo paungano yavanhu vaMwari, zviuru zvamazana mana zvavarwi vakapakata minondo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vatungamiriri vavanhu vose vamadzinza ose avaIsiraeri vakauyawo pamwechete negungano revanhu vaMwari, vari zviuru zvina zvavarume vetsoka vanorwa nomapakatwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Madzishe avanhu vose, ivo vamarudzi ose avaIsiraeri, vakandomira paungano yavanhu vaMwari, vakanga vane zviuru zvina mazana mana zvavanhu vaifamba namakumbo, vaigona kurwa nomunondo.
Shona 2009?
Madzishe avanhu vose, ivo vamarudzi ose avaIsiraeri, vakandomira paungano yavanhu vaMwari, vakanga vane zviuru zvina mazana mana zvavanhu vaifamba namakumbo, vaigona kurwa nomunondo.
Shona SUB 2002 Bible
Madzishe avanhu vose, ivo vamarudzi ose aVaIsiraeri, vakandomira paungano yavanhu vaMwari, vakanga vane zviuru zvina mazana mana zvavanhu vaifamba namakumbo, vaigona kurwa nomunondo.