Judges 20:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋana ʋaBenjamini ʋakaɓuɗa paGibea, ʋakaʋurayira pasi nomusi iwoyo ʋarume ʋaIsraeri ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaBhenjamini vakabuda muGibhea uye vakauraya vaIsraeri zviuru makumi maviri nezviviri munhandare yehondo pazuva iroro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VokwaBhenjamini vakavabudira muGibhea, vakarakatisa kuuraya vaIsiraeri zviuru zviviri musi iwoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vana vaBhenjamini vakabuda paGibhea, vakaurayira pasi nomusi iwoyo varume vaIsiraeri vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri.
Shona 2009?
Vana vaBhenjamini vakabuda paGibhiya, vakaurayira pasi nomusi iwoyo varume vaIsiraeri vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri.
Shona SUB 2002 Bible
Vana vaBhenjamini vakabuda paGibhia, vakaurayira pasi nomusi iwoyo varume VaIsiraeri vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri.