Judges 20:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ƲaBenjamini ʋakaɓuɗa paGibea kuzorwa naʋo nezuʋa repiri, ʋakaʋurayira pasi ʋarume ʋaʋana ʋaIsraeri ʋaneɀuru ɀinegumi neɀisere; aʋa ʋose ʋaigona kurwa nomunondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nguva iyi, vaBhenjamini pavakabuda kubva muGibhea kuti vandovarwisa, vakauraya vamwezve zviuru gumi nezvisere zvavaIsraeri, vose vakanga vakapakata minondo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VokwaBhenjamini vakavabudira muGibhea zuva rechipiri irori, vakarakatisa varume gumi rezviuru nezviuru zvisere zvavaIsiraeri, ivava vose vakanga vari varwi vokurwa namapakatwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
VaBhenjamini vakabuda paGibhea kuzorwa navo nezuva repiri, vakaurayira pasi varume vavana vaIsiraeri vane zviuru zvine gumi nezvisere; ava vose vaigona kurwa nomunondo.
Shona 2009?
VaBhenjamini vakabuda paGibhiya kuzorwa navo nezuva repiri, vakaurayira pasi varume vavana vaIsiraeri vane zviuru zvine gumi nezvisere; ava vose vaigona kurwa nomunondo.
Shona SUB 2002 Bible
VaBhenjamini vakabuda paGibhia kuzorwa navo nezuva repiri, vakaurayira pasi varume vavana VaIsiraeri vane zviuru zvine gumi nezvisere; ava vose vaigona kurwa nomunondo.