Judges 20:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋose naʋanhu ʋose ʋakakwira ʋakaȿika paBeti‐eri, ʋakacema, ʋakagara’po pamberi paJehova, ʋakaɀinyima ɀokudya zuʋa iro kuȿikira maɗekwana; ʋakaʋuya neɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa kunaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vaIsraeri, vanhu vose vakakwira kuBheteri, uye ikoko vakandogara pasi vachichema pamberi paJehovha. Vakatsanya pazuva iro kusvikira madekwana uye vakapa kuna Jehovha zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo vaIsiraeri vose, hondo yavo yose zvayo, vakaenda kuBhetieri vakachema. Vakagara pana Tenzi, vakatsanya kusvikira manheru zuva iroro. Vakaita mipiro yokupisa neyokuwadzana kuna Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vana vaIsiraeri vose navanhu vose vakakwira vakasvika paBheti-eri, vakachema vakagarapo pamberi paJehovha, vakazvinyima zvokudya zuva iro kusvikira madekwana; vakauya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha.
Shona 2009?
Zvino vana vaIsiraeri vose navanhu vose vakakwira vakasvika paBhei-teri, vakachema vakagarapo pamberi paJehovha, vakatsanya zuva iro kusvikira madekwana, vakauya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vana VaIsiraeri vose navanhu vose vakakwira vakasvika paBheti–eri, vakachema vakagarapo pamberi paJehovha, vakazvinyima zvokudya zuva iro kusvikira madekwana; vakauya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha.