Judges 20:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
NaPinehasi, mŋanakomana waEreazari, mŋanakomana waAroni, wakamira pamberi payo namazuʋa iwayo), ʋakati: Tinofanira kuɓuɗa ɀe kundorwa nehama dzeɗu, iʋo ʋana ʋaBenjamini, kana tirege here? Jehova akati: Kwirai, nokuti maŋgwana ndicaʋaisa mumaʋoko enyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, achishumira pamberi payo.) Vakabvunza vakati, “Tichaendazve kundorwa naBhenjamini hama yedu here kana kuti kwete?” Jehovha akati, “Endai, nokuti mangwana ndichavaisa mumaoko enyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Finehasi mwanakomana waEreazari mwana waAroni ndiye aiita basa roupristi ipapo. VaIsiraeri vakabvunza kuti, “Ko tingaendezve here kundorwisana nehama dzedu dzokwaBhenjamini, kana kuti kwete?” Tenzi ndokuti, “Endai nokuti mangwana ndinovaisa mumaoko enyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
NaPinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, wakamira pamberi payo namazuva iwayo), vakati, “Tinofanira kubudazve kundorwa nehama dzedu, ivo vana vaBhenjamini, kana tirege here?” Jehovha akati, “Kwirai, nokuti mangwana ndichavaisa mumaoko enyu.”
Shona 2009?
NaPinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, wakamira pamberi payo namazuva iwayo), vakati, "Tinofanira kubudazve kundorwa nehama dzedu, ivo vana vaBhenjamini, kana tirege here?" Jehovha akati, "Kwirai, nokuti mangwana ndichavaisa mumaoko enyu."
Shona SUB 2002 Bible
NaFiniasi, mwanakomana waEriazari, mwanakomana waAroni, wakamira pamberi payo namazuva iwayo), vakati, “Tinofanira kubudazve kundorwa nehama dzedu, ivo vana vaBhenjamini, kana tirege here?” Jehovha akati, “Kwirai, nokuti mangwana ndichavaisa mumaoko enyu.”