Judges 20:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋana ʋaBenjamini ʋakaɓuɗa kuzorwa naʋanhu, ʋakanyeŋgerwa ndokuɓuɗa kure neguta; ʋakataŋga sapanedzimŋe ŋguʋa kuɓaya nokuʋuraya ʋamŋe ʋanhu panzira huru mbiri, imŋe yaikwira icienda Beti‐eri, neimŋe Gibea, kusaŋgo, ʋakaʋuraya ʋarume ʋaIsraeri ʋaneŋge makumi matatu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaBhenjamini vakabuda kuzosangana navo uye vakakwezverwa kure neguta. Vakatanga kubaya vaIsraeri sapakutanga, zvokuti varume vanenge makumi matatu vakafa musango uye nomumigwagwa, inoti mumwe unoenda kuBheteri nomumwe wacho kuGibhea.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VokwaBhenjamini vakavavinga, ivo ndokuvakwezvera kure neguta. Sezvavaimboita pakutanga, vakatanga kurova vachiuraya vaIsiraeri mumigwagwa inoti wokuenda kuBhetieri nowokuenda kuGibhea nomusango nomusango, kukafa vaIsiraeri makumi matatu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vana vaBhenjamini vakabuda kuzorwa navanhu, vakanyengerwa nokubuda kure neguta; vakatanga sapane dzimwe nguva kubaya nokuuraya vamwe vanhu panzira huru mbiri, imwe yaikwira ichienda Bheti-eri, neimwe Gibhea, kusango, vakauraya varume vaIsiraeri vanenge makumi matatu.
Shona 2009?
Vana vaBhenjamini vakabuda kuzorwa navanhu, vakanyengerwa nokubuda kure neguta; vakatanga sapane dzimwe nguva kubaya nokuuraya vamwe vanhu panzira huru mbiri, imwe yaikwira ichienda Bheti-eri, neimwe Gibhiya, kusango, vakauraya varume vaIsiraeri vanenge makumi matatu.
Shona SUB 2002 Bible
Vana vaBhenjamini vakabuda kuzorwa navanhu, vakanyengerwa nokubuda kure neguta; vakatanga sapane dzimwe nguva kubaya nokuuraya vamwe vanhu panzira huru mbiri, imwe yaikwira ichienda Bheti–eri, neimwe Gibhia, kusango, vakauraya varume VaIsiraeri vanenge makumi matatu.