Judges 20:34 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋakaɓuɗa pakatarisana neGibea ʋaiʋa ʋarume ʋaneɀuru ɀinegumi ʋakaŋga ʋakasanaŋgurwa pakati paʋaIsraeri ʋose, kurwa kukanyanya kwaɀo; asi ʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi kuti njodzi yaʋa pedyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo zviuru gumi zvavarume veIsraeri vakanga vakasarudzwa vakavarwisa nechemberi paGibhea. Kurwa kwakanga kwanyanya kwazvo zvokuti vaBhenjamini havana kuziva kuti njodzi yakanga yava pedyo zvakaita sei.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume vanosvika gumi rezviuru vakanga vaitwa zvokusarudzwa muIsiraeri vakanangana neGibhea kurirwisa. Kwakarwisanwa zvinotyisa, izvozvo vokwaBhenjamini vakanga vasingatomboziva zvavo kuti kwatova kuparara kwavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vakabuda pakatarisana neGibhea vaiva varume vane zviuru zvine gumi vakanga vakasanangurwa pakati pavaIsiraeri vose, kurwa kukanyanya kwazvo; asi vakanga vasingazivi kuti njodzi yava pedyo.
Shona 2009?
vakabuda pakatarisana neGibhiya vaiva varume vane zviuru zvine gumi vakanga vakasanangurwa pakati pavaIsiraeri vose, kurwa kukanyanya kwazvo; asi vakanga vasingazivi kuti njodzi yava pedo.
Shona SUB 2002 Bible
vakabuda pakatarisana neGibhia vaiva varume vane zviuru zvine gumi vakanga vakasanangurwa pakati paVaIsiraeri vose, kurwa kukanyanya kwazvo; asi vakanga vasingazivi kuti njodzi yava pedyo.