Judges 20:39 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋarume ʋaIsraeri ʋakatendeʋuka pakurwa kwaʋo, ʋaBenjamini ʋakataŋga kuɓaya nokuʋuraya ʋarume ʋaIsraeri ʋaneŋge makumi matatu; nokuti ʋakati: Ɀirokwaɀo, ʋakundwa nesu sapakurwa kwokutaŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye ipapo varume veIsraeri vaizodzoka kundorwa. VaBhenjamini vakanga vatotanga kuuraya varume veIsraeri (vanenge makumi matatu), uye vakati, “Tiri kuvakunda sapahondo yokutanga.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
varume veIsiraeri ndopavaizopinduka votanga kurwisa. Pakanga vokwaBhenjamini vatangisa zvino kuuraya varume makumi matatu veIsiraeri, votofunga kuti, “A-a zvino tazonyatsovakurira sezvatakambovaita pakutanga.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Varume vaIsiraeri vakatendeuka pakurwa kwavo, vaBhenjamini vakatanga kubaya nokuuraya varume vaIsiraeri vanenge makumi matatu; nokuti vakati, “Zvirokwazvo, vakundwa nesu sapakurwa kwokutanga.”
Shona 2009?
Varume vaIsiraeri vakatendeuka pakurwa kwavo, vaBhenjamini vakatanga kubaya nokuuraya varume vaIsiraeri vanenge makumi matatu; nokuti vakati, "Zvirokwazvo, vakundwa nesu sapakurwa kokutanga."
Shona SUB 2002 Bible
Varume VaIsiraeri vakatendeuka pakurwa kwavo, vaBhenjamini vakatanga kubaya nokuuraya varume VaIsiraeri vanenge makumi matatu; nokuti vakati, “Zvirokwazvo, vakundwa nesu sapakurwa kwokutanga.”