Judges 20:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ndikatora muroŋgo waŋgu, ndikamuɗimuranya, ndikamutuma kunyika yose yenhaka yaIsraeri, nokuti ʋakaita ɀinonyaŋgadza neɀoʋupenzi pakati paIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakatora murongo wangu, ndikamugura-gura uye ndikatumira chidimbu chimwe chete kunharaunda imwe neimwe yenhaka yeIsraeri, nokuti ndivo vakaita chinhu ichi chinonyangadza uye nokuita kunonyadzisa muIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakatora murongo wangu ndikamudimura-dimura, ndikatumira zvidimbu zvacho kunyika dzose dzavaIsiraeri dzenhaka yavo. Chandakadariro ndechokuti vakapara zvinonyadzisa mhosva yakaipa younzenza muIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo ndikatora murongo wangu, ndikamudimuranya, ndikamutuma kunyika yose yenhaka yaIsiraeri, nokuti vakaita zvinonyangadza nezvoupenzi pakati paIsiraeri.
Shona 2009?
Ipapo ndikatora murongo wangu, ndikamudimuranya, ndikamutuma kunyika yose yenhaka yaIsiraeri, nokuti vakaita zvinonyangadza nezvoupenzi pakati paIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo ndikatora murongo wangu, ndikamudimuranya, ndikamutuma kunyika yose yenhaka yaIsiraeri, nokuti vakaita zvinonyangadza nezvoupenzi pakati paIsiraeri.