Judges 21:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋuŋgano ikatumira’ko ʋarume ʋoʋumhare kwaɀo ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri, ʋakaʋaraira ʋaciti: Endai mundoʋuraya ʋagere Jabeshi‐gireadi neminondo inopinza, pamŋe cete naʋakadzi naʋana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka ungano yakatuma varume vehondo zviuru gumi nezviviri varayirwa kuti vaende Jabheshi Gireadhi vandouraya nomunondo vanhu vanogarako, kusanganisira vakadzi navana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo gungano rakatumira zviuru gumi nezviviri nemvumba dzavo dzavarwi vachivati endai mundouraya vagari vekuJabheshigireadhi namapakatwa uye vakadzi navana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ungano ikatumirako varume voumhare kwazvo vane zviuru zvine gumi nezviviri, vakavaraira vachiti, “Endai mundouraya vagere Jabheshi-gireadhi neminondo inopinza, pamwechete navakadzi navana.
Shona 2009?
Zvino ungano ikatumirako varume voumhare kwazvo vane zviuru zvine gumi nezviviri, vakavaraira vachiti, "Endai mundouraya vagere Jabheshi-Giriyadhi neminondo inopinza, pamwechete navakadzi navana.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ungano ikatumirako varume voumhare kwazvo vane zviuru zvine gumi nezviviri, vakavaraira vachiti, “Endai mundouraya vagere Jabheshi–gireadhi neminondo inopinza, pamwechete navakadzi navana.