Judges 21:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi hatiŋgaʋapi ʋakunda ʋeɗu, ʋaʋe ʋakadzi ʋaʋo; nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋapika, ʋaciti: Munhu unopa ʋaBenjamini mukadzi ŋgaatukwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hatigoni kuvapa vanasikana vedu kuti vave vakadzi vavo sezvo isu vaIsraeri takapika tichiti, ‘Ngaatukwe munhu anopa mukadzi kumuBhenjamini.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi isu hatingagone kuroodza vana vedu kwavari kuti vave vakadzi vavo.” VaIsiraeri vakadaro nokuti vakanga vapika kuti, “Anenge angoroodza mwana wake kune vokwaBhenjamini, ngaawirwe norushambwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi hatingavapi vakunda vedu, vave vakadzi vavo;” nokuti vana vaIsiraeri vakanga vapika, vachiti, “Munhu unopa vaBhenjamini mukadzi ngaatukwe.”
Shona 2009?
Asi hatingavapi vakunda vedu, vave vakadzi vavo;" nokuti vana vaIsiraeri vakanga vapika, vachiti, "Munhu unopa vaBhenjamini mukadzi ngaatukwe."
Shona SUB 2002 Bible
Asi hatingavapi vakunda vedu, vave vakadzi vavo;” nokuti vana VaIsiraeri vakanga vapika, vachiti, “Munhu unopa vaBhenjamini mukadzi ngaatukwe.”