Judges 21:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋana ʋaBenjamini ʋakaita saiɀoɀo, ʋakaɀitorera ʋakadzi kunaʋakaŋga ʋacitamba, ʋakaʋariŋgana; ʋakaenda naʋo; ʋakabva ndokudzokera kunhaka yaʋo, ʋakaʋaka maguta, ndokugara mukati mawo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka ndizvo zvakaitwa navaBhenjamini. Vasikana vachiri kutamba, murume mumwe nomumwe akabata musikana ndokuenda naye kuti ave mukadzi wake. Ipapo vakadzokera kunhaka yavo uye vakavakazve maguta vakagara maari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VokwaBhenjamini vakaita izvozvo, vakandozvitorera vakadzi zvakangoenzanirana nokuwanda kwavo muvasikana vaitamba vakaenda navo. Vakaenda vodzokera kunyika yenhaka yavo. Vakavakazve maguta vakagaramo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vana vaBhenjamini vakaita saizvozvo, vakazvitorera vakadzi kuna vakanga vachitamba, vakavaringa; vakaenda navo; vakabva ndokudzokera kunhaka yavo, vakavaka maguta, ndokugara mukati mawo.
Shona 2009?
Vana vaBhenjamini vakaita saizvozvo, vakazvitorera vakadzi kuna vakanga vachitamba, vakavaringana; vakaenda navo; vakabva ndokudzokera kunhaka yavo, vakavaka maguta, ndokugara mukati mawo.
Shona SUB 2002 Bible
Vana vaBhenjamini vakaita saizvozvo, vakazvitorera vakadzi kuna vakanga vachitamba, vakavaringa; vakaenda navo; vakabva ndokudzokera kunhaka yavo, vakavaka maguta, ndokugara mukati mawo.