Judges 21:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati: Ndianiko pamarudzi aIsraeri usina‐kukwira kunaJehova paMizpa? Ʋonei, kwakaŋga kusinomunhu wakabva Jabeshi‐gireadi wakakwira kumisasa kuʋuŋgano.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vakabvunza vakati, “Ndavapiko pamarudzi aIsraeri vakatadza kuungana navamwe pamberi paJehovha paMizipa?” Vakawana kuti kwakanga kusina munhu aibva kuJabheshi Gireadhi akanga auya kumusasa kuungano.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakati, “Nderipiko dzinza ravaIsiraeri risina kuuya kuna Tenzi kuMizipa? Zvakabuda pachena kuti hakuna vokuJabheshigireadhi akanga auya kumusangano,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati, “Ndianiko pamarudzi aIsiraeri usina kukwira kuna Jehovha paMizipa?” Onei, kwakanga kusina munhu wakabva Jabheshi-gireadhi wakakwira kumisasa kuungano.
Shona 2009?
Vakati, "Ndianiko pamarudzi aIsiraeri usina kukwira kuna Jehovha paMizipa?" Onei, kwakanga kusina munhu wakabva Jabheshi-Giriyadhi wakakwira kumisasa kuungano.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati, “Ndianiko pamarudzi aIsiraeri asina kukwira kuna Jehovha paMizipa?” Onei, kwakanga kusina munhu wakabva Jabheshi–gireyadhi wakakwira kumisasa kuungano.