Judges 3:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋeya waJehova akaʋuya pamsoro pake, akatoŋga ʋaIsraeri; akandorwa, Jehova akaisa Kushani‐rishataimi, mambo weMesopotamia, muruʋoko rwake; ruʋoko rwake rukakunda Kushani‐rishataimi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake kuti ave mutongi weIsraeri uye akaenda kuhondo. Jehovha akaisa KushaniRishataimi mambo wavaAramu mumaoko aOtinieri, akamukunda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mweya waTenzi wakauya paari akatonga Isiraeri. Akaenda kuhondo, Tenzi akaisa mumaoko ake mambo Kushanirishataimu wokuMesopotamia akamukurira. Nyika ikabva yava norunyararo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mweya waJehovha akauya pamusoro pake, akatonga vaIsiraeri, akandorwa, Jehovha akaisa Kushani-rishataimi, mambo weMesopotamia, muruoko rwake; ruoko rwake rukakunda Kushani-rishataimi.
Shona 2009?
Mweya waJehovha akauya pamusoro pake, akatonga vaIsiraeri, akandorwa, Jehovha akaisa Kushani-rishataimi, mambo weMesopotamia, muruoko rwake; ruoko rwake rukakunda Kushani-rishataimi.
Shona SUB 2002 Bible
Mweya waJehovha akauya pamusoro pake, akatonga VaIsiraeri, akandorwa, Jehovha akaisa Kushani–rishataimi, mambo weMesopotamia, muruoko rwake; ruoko rwake rukakunda Kushani–rishataimi.