Judges 3:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀe ɀakaipa pamberi paJehova, Jehova akasimbisa Egroni, mambo waMoabi, kuti arwe naʋaIsraeri, nokuti ʋakaŋga ʋaita ɀakaipa pamberi paJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, uye nokuda kwokuti vakaita zvakaipa izvi, Jehovha akapa simba kuna Egironi mambo weMoabhu kuti akunde Israeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri vakaita zvakare zvakaipa zvisingadiwi naTenzi, Tenzi ndokupa Egironi mambo weMoabhu simba rokuvakurira nokuti vakanga vaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akasimbisa Egironi, mambo waMoabhu, kuti arwe navaIsiraeri, nokuti vakanga vaita zvakaipa pamberi paJehovha.
Shona 2009?
Zvino vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akasimbisa Egironi, mambo waMoabhu, kuti arwe navaIsiraeri, nokuti vakanga vaita zvakaipa pamberi paJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vana VaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akasimbisa Egironi, mambo waMoabhu, kuti arwe naVaIsiraeri, nokuti vakanga vaita zvakaipa pamberi paJehovha.