Judges 3:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋana ʋaIsraeri ʋakati ʋacicema kunaJehova, Jehova akaʋamutsira muponesi, iye Ehudi, mŋanakomana waGera, muBenjamini, munhu waiʋa neziɓoshwe; ʋana ʋaIsraeri ʋakatumira Egroni, mambo waMoabi, cipo naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaIsraeri vakachemazve kuna Jehovha, iye akavapa musununguri, Ehudhi murume aiva neziboshwe, mwanakomana waGera muBhenjamini. VaIsraeri vakamutuma nomutero kuna Egironi mambo weMoabhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri vakazochemazve kuna Tenzi. Tenzi akavamutsira mumwezve mununuri ainzi Ehudhi mwanakomana wavaGera wedzinza rokwaBhenjamini aiva namaboshwe. VaIsiraeri vakamutuma nomutero kuna Egironi mambo weMoabhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi vana vaIsiraeri vakati vachichema kuna Jehovha, Jehovha akavamutsira muponesi, iye Ehudhi, mwanakomana waGera, muBhenjamini, munhu waiva neziboshwe; vana vaIsiraeri vakatumira Egironi, mambo waMoabhu, chipo naye.
Shona 2009?
Asi vana vaIsiraeri vakati vachichema kuna Jehovha, Jehovha akavamutsira muponesi, iye Ehudhi, mwanakomana waGera, muBhenjamini, munhu waiva neziboshwe; vana valsiraeri vakatumira Egironi, mambo waMoabhu, chipo naye.
Shona SUB 2002 Bible
Asi vana VaIsiraeri vakati vachichema kuna Jehovha, Jehovha akavamutsira muponesi, iye Ehudhi, mwanakomana waGera, muBhenjamini, munhu waiva neziboshwe; vana VaIsiraeri vakatumira Egironi, mambo waMoabhu, chipo naye.