Judges 3:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaʋari: Nditeʋerei, nokuti Jehova wakaisa ʋaMoabi, ʋaʋeŋgi ʋenyu, mumaʋoko enyu. Ʋakaɓuruka ʋacimuteʋera, ʋakandogarira mazambuko aJoridani paiyambukira ʋaMoabi, ʋakasatendera munhu mumŋe kuyambuka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati kwavari, “Nditeverei, nokuti Jehovha aisa Moabhu muvengi wenyu, mumaoko enyu.” Saka vakaburuka vakamutevera, uye vakatora mazambuko eJorodhani okuenda kuMoabhu, vakasatendera munhu kuyambuka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akavati, “Nditeverei. Tenzi atoisa vavengi venyu vaMoabhu mumaoko enyu.” Vakamutevera vakandogaririra kumazambuko aJorodhani okuenda kuMoabhu hapana wavaibvumira kuyambuka nepo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwavari, “Nditeverei, nokuti Jehovha wakaisa vaMoabhu, vavengi venyu, mumaoko enyu.” Vakaburuka vachimutevera, vakandogarira mazambuko aJorodhani paiyambukira vaMoabhu, vakasatendera munhu mumwe kuyambuka.
Shona 2009?
Akati kwavari, "Nditeverei, nokuti Jehovha wakaisa vaMoabhu, vavengi venyu, mumaoko enyu." Vakaburuka vachimutevera, vakandogarira mazambuko aJorodhani paiyambukira vaMoabhu, vakasatendera munhu mumwe kuyambuka.
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwavari, “Nditeverei, nokuti Jehovha akaisa vaMoabhu, vavengi venyu, mumaoko enyu.” Vakaburuka vachimutevera, vakandogarira mazambuko aJodhani paiyambukira vaMoabhu, vakasatendera munhu mumwe kuyambuka.