Judges 4:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Debora akati kunaBaraki: Simuka, nokuti iri ndiro zuʋa raJehova, raacaisa naro Sisera muruʋoko rwako; Jehova haana‐kukutuŋgamirira here? Ipapo Baraki akaɓuruka pagomo reTabori, ʋarume ʋaneɀuru ɀinegumi ʋacimuteʋera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Dhibhora akati kuna Bharaki, “Enda! Iri ndiro zuva rapiwa Sisera mumaoko ako naJehovha. Ko, Jehovha haasi mberi kwako here?” Saka Bharaki akaburuka muGomo reTabhori, achiteverwa navarume zviuru gumi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhebhora akati kuna Bharaki, “Chivavinga. Ndozuva raiswa Sisera mumaoko ako naTenzi. Handiti izvozvi Tenzi ari kukutungamirirai here?” Saka Bharaki akadzika mugomo reTabhori aine gumi rezviuru zvavarume vaimutevera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhebhora akati kuna Bharaki, “Simuka, nokuti iri ndiro zuva raJehovha, raachaisa naro Sisera muruoko rwako; Jehovha haana kukutungamirira here?” Ipapo Bharaki akaburuka pagomo reTabhori, varume vane zviuru zvine gumi vachimutevera.
Shona 2009?
Zvino Dhebhora akati kuna Bharaki, "Simuka, nokuti iri ndiro zuva raJehovha, raachaisa naro Sisera muruoko rwako; Jehovha haana kukutungamirira here?" Ipapo Bharaki akaburuka pagomo reTabhori, varume vane zviuru zvine gumi vachimutevera.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhebhora akati kuna Bharaki, “Simuka, nokuti iri ndiro zuva raJehovha, raachaisa naro Sisera muruoko rwako; Jehovha haana kukutungamirira here?” Ipapo Bharaki akaburuka pagomo reTabhori, varume vane zviuru zvine gumi vachimutevera.