Judges 4:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Baraki wakateʋera ŋgoro nehondo kuȿikira paHarosheti raʋahedeni, hondo yose yaSisera ikaʋurawa neminondo inopinza, hakuna‐kusara kunyaŋge nomumŋe cete.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Bharati akatevera ngoro nehondo yaSisera akandosvika kuHarosheti Hagoyimi. Mauto ose aSisera akaurayiwa nomunondo; hapana munhu akasara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bharaki akadzingirirana nengoro dzehondo dzacho nehondo yacho kusvikira kuHaroshetihagoiimu. Hondo yose yaSisera yakaurayiwa namapakatwa, hapana kana nomumwe akapunyuka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Bharaki wakatevera ngoro nehondo kusvikira paHarosheti ravahedheni, hondo yose yaSisera ikaurawa neminondo inopinza, hakuna kusara kunyange nomumwe chete.
Shona 2009?
Asi Bharaki wakatevera ngoro nehondo kusvikira paHarosheti ravahedheni, hondo yose yaSisera ikaurawa neminondo inopinza, hakuna kusara kunyange nomumwe chete.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Bharaki wakatevera ngoro nehondo kusvikira paHarosheti ravahedheni, hondo yose yaSisera ikaurayiwa neminondo inopinza, hakuna kusara kunyangwe nomumwechete.