Judges 4:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino tarira, Baraki wakati aciteʋera Sisera, Jaeri akaɓuɗa akandosoŋgana naye, akati kwaari: Ʋuyai, ndikuratidzei munhu wamunotȿaka. Iye akapinda kwaari, akaʋona Sisera akatandaʋara pasi, afa, mbambo iciri pacaʋoʋo cake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Bharaki akasvika achitevera Sisera, uye Jaeri akabuda kundomuchingamidza, achiti, “Uyai, ndizokuratidzai munhu wamuri kutsvaka.” Saka akapinda naye mukati, onei hoyo Sisera avete uye mbambo yetende iri muchavovo chake, afa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiye Bharaki tutururu achironda Sisera, ndokubva Jaeri abuda achichingurana naye akamuti, “Uyai ndikuratidzei munhu wamuri kutsvaka.” Akapinda mutendhe make muya, wanei Sisera akati rabada pasi, akafa, akarovererwa hoko yetendhe pachawowo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino tarira, Bharaki wakati achitevera Sisera, Jaeri akabuda akandosangana naye, akati kwaari, “Uyai, ndikuratidzei munhu wamunotsvaka.” Iye akapinda kwaari akaona Sisera akatandavara pasi, afa, mbambo ichiri pachavovo chake.
Shona 2009?
Zvino tarira, Bharaki wakati achitevera Sisera, Jaeri akabuda akandosangana naye, akati kwaari, "Uyai, ndikuratidzei munhu wamunotsvaka." Iye akapinda kwaari akaona Sisera akatandavara pasi, afa, mbambo ichiri pachavovo chake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino tarira, Bharaki wakati achitevera Sisera, Jaeri akabuda akandosangana naye, akati kwaari, “Uyai, ndikuratidzei munhu wamunotsvaka.” Iye akapinda kwaari akaona Sisera akatandavara pasi, afa, mbambo ichiri pachavovo chake.