Judges 4:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakacema kunaJehova, nokuti wakaŋga aneŋgoro dzamatare dzinamazana mapfumbamŋe, akamanikidza ʋana ʋaIsraeri kwaɀo makore anamakumi maʋiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuda kwokuti akanga ane ngoro dzesimbi mazana mapfumbamwe uye akadzvinyirira vaIsraeri zvakaipisisa kwazvo, vakachemera rubatsiro kuna Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Aiva namazana mapfumbamwe engoro dzehondo dzesimbi. Akabata vaIsiraeri zvakaipa kwazvo kwamakumi maviri amakore, ndokubva vaIsiraeri vachema kuna Tenzi kuti avanunure.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha, nokuti wakanga ane ngoro dzamatare dzina mazana mapfumbamwe, akamanikidza vana vaIsiraeri kwazvo makore ana makumi maviri.
Shona 2009?
Zvino vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha, nokuti wakanga ane ngoro dzamatare dzina mazana mapfumbamwe, akamanikidza vana vaIsiraeri kwazvo makore ana makumi maviri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vana VaIsiraeri vakachema kuna Jehovha, nokuti wakanga ane ngoro dzamatare dzina mazana mapfumbamwe, akamanikidza vana VaIsiraeri kwazvo makore ana makumi maviri.