Judges 5:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haʋana‐kuwana here ɀaʋakapamba, haʋana‐kuɀigoʋana here? Ɀimŋe murume mumŋe nomumŋe unopiwa musikana mumŋe, kana ʋasikana ʋaʋiri; Ɀimŋe Sisera ucapiwa ŋguʋo dzakapambga dzamaʋara‐ʋara, Ŋguʋo dzakapambga dzemiceka yakarukwa yamaʋara‐ʋara, Ŋguʋo dzamaʋara‐ʋara dzakarukwa kunhiʋi dzose, dzakafanira mitsipa yaʋakapamba?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
‘Ko, havasi kuwana nokugoverana zvakapambwa here vachiti, musikana mumwe chete kana vaviri pamurume mumwe chete, nguo dzina mavara dzezvakapambwa zvaSisera, nguo dzina mavara dzakarukwa, nguo dzakanyatsorukwa dzomutsipa wangu, zvose izvi zviri zvakapambwa?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Pamwe vari kutounganidza zvavo nokugovana zvavapamba, munhu achitopiwa zvake mukadzi kana vaviri, izvozvi pamwe Sisera atowana machira ane manyerekete, machira okudhaya ana mavara mavara akanyatsorukirwa. Kana iniwo ndichatoigirwa mavhoiri maviri omuhuro.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
‘Havana kuwana here zvavakapamba, havana kuzvigovana here? Zvimwe murume mumwe nomumwe unopiwa musikana mumwe, kana vasikana vaviri; Zvimwe Sisera uchapiwa nguo dzakapambwa dzamavara-vara, Nguo dzakapambwa dzemicheka yakarukwa yamavara-vara, Nguo dzamavara-vara dzakarukwa kunhivi dzose, dzakafanira mitsipa yavakapamba?’
Shona 2009?
`Havana kuwana here zvavakapamba, havana kuzvigovana here? Zvimwe murume mumwe nomumwe unopiwa musikana mumwe, kana vasikana vaviri; Zvimwe Sisera uchapiwa nguvo dzakapambwa dzamavara-vara, nguvo dzakapambwa dzemicheka yakarukwa yamavara-vara, nguvo dzamavara-vara dzakarukwa kunhivi dzose, dzakafanira mitsipa yavakapamba?'
Shona SUB 2002 Bible
‘Havana kuwana here zvavakapamba, havana kuzvigovana here? Zvimwe murume mumwe nomumwe unopiwa musikana mumwe, kana vasikana vaviri; Zvimwe Sisera uchapiwa nguo dzakapambwa dzamavara–vara, Nguo dzakapambwa dzemicheka yakarukwa yamavara–vara, Nguo dzamavara–vara dzakarukwa kunhivi dzose, dzakafanira mitsipa yavakapamba?’