Judges 6:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaari: Kana ndawana nyasha pamberi penyu ɀino, ndiratidzei ciratidzo kuti ndimi munotaura neni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Gidheoni akapindura akati, “Zvino kana ndawana nyasha pamberi penyu, ndipei chiratidzo kuti ndizive kuti ndimi munotaura neni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati kwaari, “Kana muchindida ndapota ndiitireiwo chokuratidza kuti imi pachenyu ndimi muri kutaura neni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwaari, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu zvino, ndiratidzei chiratidzo kuti ndimi munotaura neni.
Shona 2009?
Akati kwaari, "Kana ndawana nyasha pamberi penyu zvino, ndiratidzei chiratidzo kuti ndimwi munotaura neni.
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwaari, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu zvino, ndiratidzei chiratidzo kuti ndimi munotaura neni.