Judges 6:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Gideoni akapinda, akandogadzira mbudzana neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa ɀeefa imŋe yoʋupfu; akaisa nyama muɗeŋgu, nokuɗira muto muhari; akamuʋigira iɀoɀo pasi pomuouki, ndokumupa iɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Gidheoni akapinda, akandogadzira mbudzana, uye akaita chingwa chisina kuviriswa cheefaa youpfu hwakatsetseka. Akaisa nyama mudengu uye muto wayo akauisa muhari, akabuda nazvo akazvipa kwaari pasi pomuouki.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gidheoni akapinda mumba make akauraya mbudzana akaibika akatora upfu hwekoroni hwairema makirogiramu gumi akabika chingwa chisina mbiriso. Akaisa nyama yacho mutswanda, akaisa muto wayo mupoto. Akaenda nazvo kumunhu uya pasi pomuoku akasvikomuturira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Gidheoni akapinda, akandogadzira mbudzana nezvingwa zvisina kuviriswa zveefa imwe youpfu; akaisa nyama mudengu, nokudira muto muhari; akamuvigira izvozvo pasi pomuouki, ndokumupa izvozvo.
Shona 2009?
Ipapo Gidheoni akapinda, akandogadzira mbudzana nezvingwa zvisina kuviriswa zveefa imwe youpfu; akaisa nyama mudengu, nokudira muto muhari; akamuvigira izvozvo pasi pomuouki, ndokumupa izvozvo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Gidheoni akapinda, akandogadzira mbudzana nezvingwa zvisina kuviriswa zveefa imwe youpfu; akaisa nyama mudengu, nokudira muto muhari; akamuvigira izvozvo pasi pomuouki, ndokumupa izvozvo.