Judges 6:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mutumŋa waJehova ndokutambanudza muromo wetȿimbo, yakaŋga iri muruʋoko rwake, akagunɀa nyama neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa, mŋoto ukaɓuɗa paɗombo, ukapedza nyama neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa. Mutumŋa waJehova ndokunyaŋgarika pamberi pake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutumwa waJehovha akagunzwa nyama nechingwa chisina mbiriso nomuromo wetsvimbo yaiva muruoko rwake. Moto wakabuda paruware, ukapisa nyama nechingwa. Ipapo mutumwa waJehovha akanyangarika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutumwa waTenzi akasveerera mhuro yakanga iri muruoko rwake akagunzva nyama iya nechingwa chisina mbiriso ndokubva moto wanganduka uchibva mudombo, ukaroromesa nyama iya nechingwa. Mutumwa waTenzi ndokunyangarika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mutumwa waJehovha ndokutambanudza muromo wetsvimbo, yakanga iri muruoko rwake, akagunzva nyama nezvingwa zvisina kuviriswa, moto ukabuda padombo, ukapedza nyama nezvingwa zvisina kuviriswa. Mutumwa waJehovha ndokunyangarika pamberi pake.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible