Judges 6:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino noʋusiku ibgobgo Jehova akati kwaari: Tora nzombe yaɓaɓa ʋako, iya yecipiri inamakore manomŋe, uputse artari yaBaari yaɓaɓa ʋako, uteme ʋo ɗanda rokunamata naro riri’po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Usiku hwacho ihwohwo Jehovha akati kwaari, “Tora hando yechipiri kubva pamombe dzababa vako iyo ina makore manomwe. Uputsire pasi aritari yababa vako yaBhaari uye ugotema danda raAshera riri pairi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Usiku ihwohwo Tenzi akamuti, “Tora handira yababa wako yechipiri ine makore manomwe. Pwanya atari yaBhaari, yababa wako, utemeteme chitanda chinomiririra Ashera, chiri pedyo nayo,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nousiku ihwohwo Jehovha akati kwaari, “Tora nzombe yababa vako, iya yechipiri ina makore manomwe, uputse atari yaBhaari yababa vako, utemewo danda rokunamata naro riripo.
Shona 2009?
Zvino nousiku ihwohwo Jehovha akati kwaari, "Tora nzombe yababa vako, iya yechipiri ina makore manomwe, uputse atari yaBhaari yababa vako, utemewo danda rokunamata naro riripo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nousiku ihwohwo Jehovha akati kwaari, “Tora nzombe yababa vako, iya yechipiri ina makore manomwe, uputse atari yaBhaari yababa vako, utemewo danda rokunamata naro riripo.