Judges 6:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Gideoni akatora ʋarume ʋanegumi kuʋaranda ʋake, akaita seɀaakaʋudzwa naJehova; asi haana‐kuita iɀoɀo masikati, asi wakaɀiita ʋusiku, nokuti wakatya ʋeimba yaɓaɓa ʋake naʋarume ʋeguta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Gidheoni akatora varanda vake gumi akaita sezvaakaudzwa naJehovha. Asi nokuda kwokuti akanga achitya vemhuri yake uye navanhu vomuguta, akaita izvi usiku pano kuzviita masikati.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gidheoni akatora varanda vake gumi mukati mevaranda vake, akaita sezvaakanga audzwa naTenzi. Asi pamusana pokuti aitya vemhuri yake navanhu vaigara mugutamo haana kuzviita masikati, akazviita nousiku.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Gidheoni akatora varume vane gumi kuvaranda vake, akaita sezvaakaudzwa naJehovha; asi haana kuita izvozvo masikati, asi wakazviita usiku, nokuti wakatya veimba yababa vake navarume veguta.
Shona 2009?
Ipapo Gidheoni akatora varume vane gumi kuvaranda vake, akaita sezvaakaudzwa naJehovha; asi haana kuita izvozvo masikati, asi wakazviita usiku, nokuti wakatya veimba yababa vake navarume veguta.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Gidheoni akatora varume vane gumi kuvaranda vake, akaita sezvaakaudzwa naJehovha; asi haana kuita izvozvo masikati, asi wakazviita usiku, nokuti wakatya veimba yababa vake navarume veguta.