Judges 6:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Joashi wakati kunaʋose ʋakaŋga ʋacimupopotera: Moɗa kurwira Baari kanhi? Moɗa kumuponesa? Unomurwira ucaʋurawa maŋgwanani ano; kana ari mŋari, ŋgaaɀirwire amene, ɀaakaputsirwa artari yake nomunhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Joashi akapindura ungano yakanga ine hasha kwazvo yakamukomberedza akati, “Ko, imi munoda kurwira Bhaari here? Muri kuda kuedza kumuponesa here? Ani naani achamurwira achaurayiwa mangwanani ano! Kana Bhaari ari mwari chaiye, anogona kuzvidzivirira kana mumwe munhu achiputsa aritari yake.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Joashi akabvunza mhomho yakanga yakamukomba achiti, “Heya mafunga kurwira Bhaari nhai, kana kuti motoda zvenyu kumununura? Anenge achirwira Bhaari ngaaurayiwe mangwana kusati kwaedza. Kana Bhaari ari mwari regai azvirwire pachake nokuti atari yake yakapwanywa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Joashi wakati kuna vose vakanga vachimupopotera, “Moda kurwira Bhaari kanhi? Moda kumuponesa? Unomurwira uchaurawa mangwanani ano; kana ari mwari, ngaazvirwire amene, zvaakaputsirwa atari yake nomunhu.”
Shona 2009?
Asi Joashi wakati kuna vose vakanga vachimupopotera, "Moda kurwira Bhaari kanhi? Moda kumuponesa? Unomurwira uchaurawa mangwanani ano; kana ari mwari, ngaazvirwire amene, zvaakaputsirwa atari yake nomunhu."
Shona SUB 2002 Bible
Asi Joashi wakati kuna vose vakanga vachimupopotera, “Moda kurwira Bhaari kanhi? Moda kumuponesa? Unomurwira uchaurayiwa mangwanani ano; kana ari mwari, ngaazvirwire amene, zvaakaputsirwa atari yake nomunhu.”