Judges 6:39 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Gideoni akati kunaMŋari: Regai henyu kunditsamŋira, kana ndikataura ɀe kamŋe cete; nditenderei ndiidze ɀe kamŋe cete neɗebge; ɀino paɗebge ɓedzi paʋe pakawoma, asi pasi pose paʋe neɗoʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Gidheoni akati kuna Mwari, “Musanditsamwira henyu. Regai ndiite hangu chimwezve chikumbiro. Nditenderei ndiedzezve nedehwe. Panguva ino itai kuti dehwe riome asi pasi pose pafukidzwe nedova.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gidheoni akatetererazve Mwari achiti, “Ndapota regai zvenyu kundishatirirwa ndigotaurawo kamwechete kano. Regai ndiedze zvakare nemhombwa yewuru kamwechete. Ndinokumbira kuti wuru iyi ive ndiyo yakaoma, pamwe pose pasi pave nedova.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Gidheoni akati kuna Mwari, “Regai henyu kunditsamwira, kana ndikataurazve kamwe chete; nditenderei ndiidzezve kamwe chete nedebwe; zvino padebwe bedzi pave pakaoma, asi pasi pose pave nedova.”
Shona 2009?
Zvino Gidheoni akati kuna Mwari, "Regai henyu kunditsamwira, kana ndikataurazve kamwe chete; nditenderei ndiidzezve kamwe chete nedebwe; zvino padebwechetepave pakaoma, asi pasi pose pave nedova."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Gidheoni akati kuna Mwari, “Regai henyu kunditsamwira, kana ndikataurazve kamwechete; nditenderei ndiidzezve kamwechete nedebwe; zvino padebwe bedzi pave pakaoma, asi pasi pose pave nedova.”