Judges 6:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akatuma muprofita kuʋana ʋaIsraeri; iye akati kwaʋari: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ndakakukwidzai, ndicikuɓuɗisai paEgipita, nokukuɓuɗisai paimba yoʋuranda;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akatuma muprofita, akati kwavari, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Ndakakubudisai kubva muIjipiti, munyika youtapwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akavatumira muporofita akati, “Zvanzi naTenzi Mwari wavaIsiraeri, ‘Ndakakuburitsai kuIjipiti, ndichikununurai muuranda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akatuma muporofita kuvana vaIsiraeri; iye akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, ‘Ndakakukwidzai, ndichikubudisai paIjipiti, nokukubudisai paimba youranda;
Shona 2009?
Jehovha akatuma muporofita kuvana vaIsiraeri; iye akati kwavari, "Zvanzi naJehovha Mwari walsiraeri, `Ndakakukwidzai, ndichikubudisai paIjipiti, nokukubudisai paimba youranda;
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akatuma muporofita kuvana VaIsiraeri; iye akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, ‘Ndakakukwidzai, ndichikubudisai paIjipiti, nokukubudisai paimba youranda;