Judges 7:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Gideoni wakati acinzwa kurondedzerwa kwokurota uku nokuɗudzirwa kwako, akanamata; akadzokera kumisasa, akati: Simukai, nokuti Jehova wakaisa misasa yaMidiani mumaʋoko enyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Gidheoni akati anzwa kurota uku nokududzirwa kwokurota kwacho, akanamata Mwari. Akadzoka kumusasa wavaIsraeri akadanidzira achiti, “Simukai! Jehovha aisa musasa wavaMidhiani mumaoko enyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gidheoni paakanzwa hope idzi nokududzirwa kwadzo akapfugama akanamata. Akadzokera kumatendhe avaIsiraeri akati, “Handei nokuti Tenzi atoisa hondo yavaMidhiani mumaoko enyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Gidheoni wakati achinzwa kurondedzerwa kwokurota uku nokududzirwa kwako, akanamata; akadzokera kumisasa, akati, “Simukai, nokuti Jehovha wakaisa misasa yaMidhiani mumaoko enyu.”
Shona 2009?
Zvino Gidheoni wakati achinzwa kurondedzerwa kokurota uku nokududzirwa kwako, akanamata; akadzokera kumisasa, akati, "Simukai, nokuti Jehovha wakaisa misasa yaMidhiani mumaoko enyu."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Gidheoni wakati achinzwa kurondedzerwa kwokurota uku nokududzirwa kwako, akanamata; akadzokera kumisasa, akati, “Simukai, nokuti Jehovha akaisa misasa yaMidhiani mumaoko enyu.”