Judges 7:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo Gideoni naʋarume ʋanezana ʋaakaŋga anaʋo, ʋakaȿika kumudziʋo wemisasa pakutaŋga kweŋguʋa yapakati yoʋusiku, ʋacaŋgoisa ʋarindi; ʋakaridza hwamanda, ʋakaputsa ɀiroŋgo ɀakaŋga ɀiri mumaʋoko aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Gidheoni navarume zana vaiva naye vakasvika kumucheto kwomusasa pakutanga kwenguva yapakati pousiku yokurinda, pachangoiswa mumwe murindi. Vakaridza hwamanda dzavo uye vakaputsa zvirongo zvaiva mumaoko avo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gidheoni navarume zana vaaiva navo, vakasvika kumucheto wamatendhe avo nguva yomurira kamwe vaMidhiani vachangobva mukutsinhana kugaririra. Vana Gidheoni vakaridza hwamanda vakabwadura-bwadura zvirongo zvavakanga vakatakura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo Gidheoni navarume vane zana vaakanga anavo, vakasvika kumudzivo wemisasa pakutanga kwenguva yapakati yousiku, vachangoisa varindi; vakaridza hwamanda, vakaputsa zvirongo zvakanga zviri mumaoko avo.
Shona 2009?
Naizvozvo Gidheoni navarume vane zana vaakanga anavo, vakasvika kumudzivo wemisasa pakutanga kwenguva yapakati yousiku, vachangoisa varindi, vakaridza hwamanda, vakaputsa zvirongo zvakanga zviri mumaoko avo.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo Gidheoni navarume vane zana vaakanga anavo, vakasvika kumudzivo wemisasa pakutanga kwenguva yapakati yousiku, vachangoisa varindi; vakaridza hwamanda, vakaputsa zvirongo zvakanga zviri mumaoko avo.