Judges 7:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akati kunaGideoni: Ʋanhu ʋaunaʋo ʋakawandisa, kuti ndiise ʋaMidiani mumaʋoko aʋo; kuti ʋaIsraeri ʋarege kuɀikudza pamberi paŋgu, ʋaciti: Maʋoko eɗu ndiwo akatiponesa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akati kuna Gidheoni, “Varume vaunavo vakawandisa kuti ini ndiise vaMidhiani mumaoko avo. Kuti vaIsraeri varege kuzvikudza pamberi pangu vachiti, simba ravo ndiro ravaponesa,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akataurira Gidheoni achiti, “Vanhu vaunavo vakawandisa kuti ndiise vaMidhiani mumaoko enyu nokuti vaIsiraeri vangazozvizuwidza vachiti, ‘Takazvinunura nesimba redu isu pachedu.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akati kuna Gidheoni, “Vanhu vaunavo vakawandisa, kuti ndiise vaMidhiani mumaoko avo; kuti vaIsiraeri varege kuzvikudza pamberi pangu, vachiti, ‘Maoko edu ndiwo akatiponesa.’
Shona 2009?
Jehovha akati kuna Gidheoni, "Vanhu vaunavo vakawandisa, kuti ndiise vaMidhiani mumaoko avo; kuti vaIsiraeri varege kuzvikudza pamberi pangu, vachiti, `Maoko edu ndiwo akatiponesa.'
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akati kuna Gidheoni, “Vanhu vaunavo vakawandisa, kuti ndiise vaMidhiani mumaoko avo; kuti VaIsiraeri varege kuzvikudza pamberi pangu, vachiti, ‘Maoko edu ndiwo akatiponesa.’