Judges 7:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mapoka matatu akaridza hwamanda, ʋakaputsa ɀiroŋgo, ʋakaɓata zhenje mumaʋoko aʋo oruɓoshwe, nehwamanda dzokuridza mumaʋoko aʋo orudyi, ʋakaɗanidzira ʋaciti: Munondo waJehova nowaGideoni!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mapoka matatu akaridza hwamanda uye akaputsawo zvirongo. Vakabata mwenje mumaoko avo oruboshwe uye vakabata noruoko rworudyi hwamanda dzavaizoridza, vakadanidzira vachiti, “Munondo waJehovha nowaGidheoni!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vezvikwata zvitatu zviya vakaridza hwamanda, vakabwadura-bwadura zvirongo zviya. Kuruboshwe vainge vakabata mwenje, kurudyi vakabata hwamanda dzokuridza. Vakazhamba vachiti, “Hondo yaTenzi, hondo yaGidheoni!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mapoka matatu akaridza hwamanda, vakaputsa zvirongo, vakabata zhenje mumaoko avo oruboshwe, nehwamanda dzokuridza mumaoko avo orudyi, vakadanidzira vachiti, “Munondo waJehovha nowaGidheoni!”
Shona 2009?
Ipapo mapoka matatu akaridza hwamanda, vakaputsa zvirongo, vakabata zhenje mumaoko avo oruboshwe, nehwamanda dzokuridza mumaoko avo orudyi, vakadanidzira vachiti, "munondo waJehovha nowaGidheoni!"
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mapoka matatu akaridza hwamanda, vakaputsa zvirongo, vakabata zhenje mumaoko avo oruboshwe, nehwamanda dzokuridza mumaoko avo orudyi, vakadanidzira vachiti, “Munondo waJehovha nowaGidheoni!”