Judges 7:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaridza hwamanda dzinamazana matatu, Jehova akarwisa munondo womumŋe nomumŋe neshamŋari yake, ʋuye nehondo yose; hondo ikatiza kuȿikira paBeti‐shita kurutiʋi rweZerera, kuȿikira kumuganho weAberimehora, paTabati.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vane mazana matatu pavakaridza hwamanda, Jehovha akaita kuti mumusasa vose vanhu vapandukirane, vabayane neminondo yavo. Hondo yakatizira kuBheti Shita yakananga kuZerera kusvikira kumuganhu weAbheri Mehora pedyo neTabhati.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakaridza mazana matatu ehwamanda, Tenzi akaita kuti vaMidhiani vabayane pachavo nokurwisawo hondo yose. Hondo yavo yakatiza kusvikira kuBhetishita yakananga kuZerera kudzamara kumuganho weAbherimehora pedyo neTabhati.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakaridza hwamanda dzina mazana matatu, Jehovha akarwisa munondo womumwe nomumwe neshamwari yake, uye nehondo yose; hondo ikatiza kusvikira paBhetishita kurutivi rweZerera, kusvikira kumuganhu weAbherimehora, paTabhati.
Shona 2009?
Vakaridza hwamanda dzina mazana matatu, Jehovha akarwisa munondo womumwe nomumwe neshamwari yake, uye nehondo yose; hondo ikatiza kusvikira paBhetishita kurutivi rweZerera, kusvikira kumuganhu weAbherimehora, paTabhati.
Shona SUB 2002 Bible
Vakaridza hwamanda dzina mazana matatu, Jehovha akarwisa munondo womumwe nomumwe neshamwari yake, uye nehondo yose; hondo ikatiza kusvikira paBheti–shita kurutivi rweZerera, kusvikira kumuganhu weAbherimehora, paTabhati.