Judges 7:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Gideoni akatuma nhume panyika yose yamakomo yaEfraimi, akati: Ƃurukai mundorwa naMidiani, muʋataŋgire kugarira nzizi dzemvura kuȿikira paBeti‐bara neJoridani ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Gidheoni akatuma nhume munyika yose yezvikomo yaEfuremu achiti, “Burukai tindorwa navaMidhiani titore mvura zhinji dzeJorodhani mberi kwavo kusvikira kuBheti Bhara.” Saka varume vose veEfuremu vakadanwa uye vakatora mvura zhinji dzeJorodhani kusvikira kuBheti Bhara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gidheoni akatuma nhumwa kunyika yaEfuraimu yamakomo neshoko rokuti, “Uyai muzochingudzira vaMidhiani, mufanovadzivirira pose pokuyambuka napo Jorodhani kusvikira kuBhetibhara.” Saka varume vose vokwaEfuraimu vakakokorodzwa vakafanodzivirira pokuyambuka napo Jorodhani kusvikira kuBhetibhara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Gidheoni akatuma nhume panyika yose yamakomo yaEfuremu, akati, “Burukai mundorwa naMidhiani, muvatangire kugarira nzizi dzemvura kusvikira paBheti-bhara neJorodhaniwo.”
Shona 2009?
Gidheoni akatuma nhume panyika yose yamakomo yaEfuremu, akati, "Burukai mundorwa naMidhiani, muvatangire kugarira nzizi dzemvura kusvikira paBheti-bhara neJorodhaniwo."
Shona SUB 2002 Bible
Gidheoni akatuma nhume panyika yose yamakomo yaEfuremu, akati, “Burukai mundorwa naMidhiani, muvatangire kugarira nzizi dzemvura kusvikira paBheti–bhara neJodhaniwo.”