Judges 7:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino, enda undoparidza ʋanhu ʋaɀinzwe, uti: Aninani unotya, unoɗeɗera, ŋgaadzoke hake, abve pagomo reGireadi. Ʋanhu ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri ʋakadzoka, ʋakasara ʋaneɀuru ɀinegumi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
zivisa vanhu izvozvi kuti, ‘Ani naani ari kudedera nokutya ngaadzoke hake abve paGomo reGireadhi.’ ” Saka varume vanosvika zviuru makumi maviri nezviviri vakabva, kukasara zviuru gumi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo chiudza vanhu vachizvinzwira nenzeve dzavo uchiti, ‘Anenge achidedera nokutya, ngaadzokere zvake kumusha.’ ” Gidheoni akavaedza; varume vaisvika makumi maviri ezviuru nezviuru zviviri vakadzokera, kukasara zviuru gumi zvavarume.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvino, enda undoparidza vanhu vazvinzwe, uti, ‘Ani naani unotya, unodedera, ngaadzoke hake, abve pagomo reGireadhi.’ ” Vanhu vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri vakadzoka, vakasara vane zviuru zvine gumi.
Shona 2009?
Naizvozvo zvino, enda undoparidza vanhu vazvinzwe, uti, `Ani naani unotya, unodedera, ngaadzoke hake, abve pagomo reGiriyadhi.' " Vanhu vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri vakadzoka, vakasara vane zviuru zvine gumi.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvino, enda undoparidza vanhu vazvinzwe, uti, ‘Ani naani unotya, unodedera, ngaadzoke hake, abve pagomo reGireadhi.’ ” Vanhu vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri vakadzoka, vakasara vane zviuru zvine gumi.