Judges 8:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋarume ʋaEfraimi ʋakati kwaari: Watiitireiko, ɀausina‐kutiɗana ŋguʋa yawakandorwa naMidiani? Ʋakamupopotera kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino vaEfuremu vakabvunza Gidheoni vakati, “Makatibatireiko zvakadai? Makaregerei kutidana pamakaenda kundorwa navaMidhiani?” Uye vakamutsoropodza zvikuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume vokwaEfuraimu vakamubvunza kuti, “Ndochii ichochi chawatiitira ichi? Kuenda here chokwadi kundorwa navaMidhiani usina zvako kana kutidaidzawo?” Vakamupopotera vakagumbuka kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varume vaEfuremu vakati kwaari, “Watiitireiko, zvausina kutidana nguva yawakandorwa naMidhiani?” Vakamupopotera kwazvo.
Shona 2009?
Zvino varume vaEfuremu vakati kwaari, "Watiitireiko, zvausina kutidana nguva yawakandorwa naMidhiani?" Vakamupopotera kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varume vaEfuremu vakati kwaari, “Watiitireiko, zvausina kutidana nguva yawakandorwa naMidhiani?” Vakamupopotera kwazvo.