Judges 8:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Zeba naZarmuna ʋakati: Simukai imi, mutiʋuraye, nokuti seɀakaita murume, ndiɀo ɀakaita simba rake. Ipapo Gideoni akasimuka, akaʋuraya Zeba naZarmuna, akatora ɀishoŋgo ɀakaŋga ɀakafanana nomŋedzi, ɀakaŋga ɀiri pamitsipa yamakamera aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zebha naZarumuna vakati, “Uyai muzviite imi. ‘Munhu sezvaari ndizvo zvakaita simba rake.’ ” Saka Gidheoni akaswedera akavauraya, uye akatora zvishongo kubva mumitsipa yengamera dzavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zebha naZarimuna vakati, “Simukai mutiuraye iyemi pachenyu nokuti ndimi mabve zano, mune simba.” Gidheoni akasimuka ndokuuraya Zebha naZarimuna, ndokubva atora nyembe dzaiva muhuro mengamera dzavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Zebha naZarimuna vakati, “Simukai imi, mutiuraye, nokuti sezvakaita murume, ndizvo zvakaita simba rake.” Ipapo Gidheoni akasimuka, akauraya Zebha naZarimuna, akatora zvishongo zvakanga zvakafanana nomwedzi, zvakanga zviri pamitsipa yamakamera avo.
Shona 2009?
Ipapo Zebha naZarimuna vakati, "Simukai imwi, mutiuraye, nokuti sezvakaita murume, ndizvo zvakaita simba rake." Ipapo Gidheoni akasimuka, akauraya Zebha naZarimuna, akatora zvishongo zvakanga zvakafanana nomwedzi, zvakanga zviri pamitsipa yamakamera avo.
Shona SUB 2002 Bible