Judges 8:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋarume ʋaIsraeri ʋakati kunaGideoni: Mutiɓate ʋushe imi nomŋanakomana wenyu, nomŋanakomana womŋanakomana wenyu ʋo, nokuti makatiponesa pamaʋoko aʋaMidiani.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaIsraeri vakati kuna Gidheoni “Titonge iwe, mwanakomana wako nomuzukuru wako nokuti wakatiponesa kubva muruoko rwavaMidhiani.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume veIsiraeri vakataurira Gidheoni vachiti, “Zvamakatinunura mumaoko avaMidhiani dai mukachiva zvenyu mutongi wedu iyemi muchiteverwa nomwanakomana wenyu kwozouya muzukuru wenyu mukomana.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varume vaIsiraeri vakati kuna Gidheoni, “Mutibate ushe imi nomwanakomana wenyu, nomwanakomana womwanakomana wenyuwo, nokuti makatiponesa pamaoko avaMidhiani.”
Shona 2009?
Zvino varume vaIsiraeri vakati kuna Gidheoni, "Mutibate ushe imwi nomwanakomana wenyu, nomwanakomana womwanakomana wenyuwo, nokuti makatiponesa pamaoko avaMidhiani."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varume VaIsiraeri vakati kuna Gidheoni, “Mutibate ushe imi nomwanakomana wenyu, nomwanakomana womwanakomana wenyuwo, nokuti makatiponesa pamaoko avaMidhiani.”