Judges 8:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Gideoni akati kwaʋari: Ndinoɗa kukumbira cinhu cimŋe kwamuri: Mumŋe nomumŋe wenyu ŋgaandipe ɀindori ɀemhino ɀiri pakati peɀakapambga ɀake. (Nokuti ʋakaŋga ʋaneɀindori ɀemhino ɀendarama, nokuti ʋakaŋga ʋari ʋaIshmaeri.)
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye akati, “Ndine chikumbiro chimwe chete, chokuti mumwe nomumwe wenyu andipe mhete yomunzeve kubva pamugove wezvamakapamba.” (Yakanga iri tsika yavaIshumaeri yokushonga mhete dzegoridhe dzomunzeve.)
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gidheoni akatiwo kwavari, “Chinhu chimwechete chandinokukumbirai ndechokuti mumwe nomumwe wenyu ngaandipe mhete dzomunzeve dziri muzvinhu zvaakapamba.” Akadaro nokuti vaiva nemhete dzendarama dzomunzeve, zvavakanga vari vechiIshimaeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Gidheoni akati kwavari, “Ndinoda kukumbira chinhu chimwe kwamuri: Mumwe nomumwe wenyu ngaandipe zvindori zvemhino zviri pakati pezvakapambwa zvake.” (Nokuti vakanga vane zvindori zvemhino zvendarama, nokuti vakanga vari vaIshimaeri.)
Shona 2009?
Gidheoni akati kwavari, "Ndinoda kukumbira chinhu chimwe kwamuri: Mumwe nomumwe wenyu ngaandipe zvindori zvemhino zviri pakati pezvakapambwa zvake." (Nokuti vakanga vane zvindori zvemhino zvendarama, nokuti vakanga vari vaIshimaeri.)
Shona SUB 2002 Bible
Gidheoni akati kwavari, “Ndinoda kukumbira chinhu chimwe kwamuri: Mumwe nomumwe wenyu ngaandipe zvindori zvemhino zviri pakati pezvakapambwa zvake.” (Nokuti vakanga vane zvindori zvemhino zvendarama, nokuti vakanga vari vaIshimaeri.)