Judges 8:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakapindura, ʋakati: Ticakupai iɀo nomŋoyo wose! Ipapo ʋakawarira ŋguʋo, mumŋe nomumŋe akakandira’po ɀindori ɀemhino, ɀakaŋga ɀiri pakati peɀakapambga ɀaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakapindura vakati, “Tichafara kudzipa kwamuri.” Saka vakawaridza nguo pasi, uye murume mumwe nomumwe akakanda mhete yezvaakapamba pamusoro payo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo vakati, “Zvokukupai, tinokupai zvedu.” Vakawaridza jira murume woga woga ndokubva atora mhete muzvinhu zvaakapamba, achikandapo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakapindura vakati, “Tichakupai izvo nomwoyo wose!” Ipapo vakawarira nguo, mumwe nomumwe akakandirapo zvindori zvemhino, zvakanga zviri pakati pezvakapambwa zvavo.
Shona 2009?
Vakapindura vakati, "Tichakupai izvo nomoyo wose!" Ipapo vakawarira nguvo, mumwe nomumwe akakandirapo zvindori zvemhino, zvakanga zviri pakati pezvakapambwa zvavo.
Shona SUB 2002 Bible
Vakapindura vakati, “Tichakupai izvo nomwoyo wose!” Ipapo vakawarira nguo, mumwe nomumwe akakandirapo zvindori zvemhino, zvakanga zviri pakati pezvakapambwa zvavo.