Judges 8:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀindori iɀo ɀemhino ɀendarama, ɀaakakumbira kwaʋari, pakurema kwaɀo ɀikaȿika mashekeri anecuru cimŋe namazana manomŋe endarama; asi haʋana‐kuʋereŋga ɀishoŋgo ɀakaŋga ɀakafanana nomŋedzi, neɀindori ɀaishoŋgwa, neŋguʋo shaʋa dzaifukwa namadzimambo aMidiani; haʋana‐kuʋereŋga ʋo ʋuketani bgakaŋga bguri pamitsipa yamakamera aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uremu hwemhete dzegoridhe dzaakakumbira hwakasvika mashekeri chiuru chimwe namazana manomwea, pasingaverengwi zvishongo, uketani, nguo dzepepuru dzaipfekwa namadzimambo eMidhiani kana uketani hwakanga huri pamitsipa yengamera dzavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uremo hwemhete dzendarama dzaakanga avakumbira dziya hwakaita chiuru chimwechete chamashekeri endarama namazana manomwe awo, tisingaverengei zvedu nyembe namakoza nehanzu dzeruvara rwehute dzaipfekwa namadzimambo evaMidhiani uye ngetani dzaiva mumitsipa yengamera dzavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvindori izvo zvemhino zvendarama, zvaakakumbira kwavari, pakurema kwazvo zvikasvika mashekeri ane chiuru chimwe namazana manomwe endarama; asi havana kuverenga zvishongo zvakanga zvakafanana nomwedzi, nezvindori zvaishongwa, nenguo shava dzaifukwa namadzimambo aMidhiani; havana kuverengawo uketani hwakanga hwuri pamitsipa yamakamera avo.
Shona 2009?
Zvindori izvo zvemhino zvendarama, zvaakakumbira kwavari, pakurema kwazvo zvikasvika mashekeri ane chiuru chimwe namazana manomwe endarama; asi havana kuverenga zvishongo zvakanga zvakafanana nomwedzi, nezvindori zvaishongwa, nenguvo shava dzaifukwa namadzimambo aMidhiani; havana kuverengawo uketani hwakanga hwuri pamitsipa yamakamera avo.
Shona SUB 2002 Bible