Judges 8:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋari wakaisa macinda maʋiri aMidiani, Orebi naZeebi, mumaʋoko enyu; ɀino ini ndaigona kuitei ʋo, kana ndiciɀifananidza nemi? Ipapo kutsamŋa kwaʋo kwakanyarara kwaari, aʋaʋudza iɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwari akaisa Orebhi naZeebhi, vatungamiri vavaMidhiani mumaoko enyu. Ko, ini ndaizokwanisa kuitei kuti ndienzaniswe nemi?” Ipapo, kutsamwa kwavo pamusoro pake kwakaserera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari akaisa mumaoko enyu vatungamiriri vevaMidhiani vanaOrebhu naZeebhu. Zvino chiiwo chandakaita chingabangoenzaniswa nezvamakaita, imi?” Ipapo kumugumbukira kwavakanga vakaita kwakabva kwapera paakavataurira izvozvi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwari wakaisa machinda maviri aMidhiani, Orebhi naZeebhi, mumaoko enyu; zvino ini ndaigona kuiteiwo, kana ndichizvifananidza nemi?” Ipapo kutsamwa kwavo kwakanyarara kwaari, avaudza izvozvo.
Shona 2009?
Mwari wakaisa machinda maviri aMidhiani, Orebhi naZeebhi, mumaoko enyu; zvino ini ndaigona kuiteiwo, kana ndichizvifananidza nemi?" Ipapo kutsamwa kwavo kwakanyarara kwaari, avaudza izvozvo.
Shona SUB 2002 Bible
Mwari wakaisa machinda maviri aMidhiani, Orebhi naZeebhi, mumaoko enyu; zvino ini ndaigona kuiteiwo, kana ndichizvifananidza nemi?” Ipapo kutsamwa kwavo kwakanyarara kwaari, avaudza izvozvo.