Judges 8:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Gideoni akati: Saka, kana Jehova akaisa Zeba naZarmuna muruʋoko rwaŋgu, ndicapura nyama yenyu neminzwa yomurenje norukato.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Gidheoni akapindura akati, “Nokuda kwaizvozvo, Jehovha paanongoisa Zebha naZarumuna muruoko rwangu, ini ndichabvambura nyama yenyu neminzwa yomurenje uye norukato.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gidheoni ndokuti, “Zvakanaka, kana Tenzi angoisa Zebha naZarimuna mumaoko angu, ndichakupurai neminzwa yomurenje norukato.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Gidheoni akati, “Saka, kana Jehovha akaisa Zebha naZarimuna muruoko rwangu, ndichapura nyama yenyu neminzwa yomurenje norukato.”
Shona 2009?
Gidheoni akati, "Saka, kana Jehovha akaisa Zebha naZarimuna muruoko rwangu, ndichapura nyama yenyu nemhinzwa yomurenje norukato."
Shona SUB 2002 Bible
Gidheoni akati, “Saka, kana Jehovha akaisa Zebha naZarimuna muruoko rwangu, ndichapura nyama yenyu neminzwa yomurenje norukato.”