Judges 9:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi muʋonde wakati kwairi: Ko ini ndiŋgarega kutapira kwaŋgu nemicero yaŋgu yakanaka, ndipepere uko nokoko pamsoro pemiti here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Asi muonde wakapindura ukati, ‘Ndingada hangu kusiya muchero wangu, wakanaka kudai uye unotapira, kuti ndinozengaira pamusoro pemiti here?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi muonde wakati kwairi, ‘Heya munoti ndisiye kutapira kwangu nemichero yangu iyi yakanaka kudai ndichienda kundosweropepera pamusoro pemiti here?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi muonde wakati kwairi, ‘Ko ini ndingarega kutapira kwangu nemichero yangu yakanaka, ndipepere uko nokoko pamusoro pemiti here?’
Shona 2009?
Asi muonde, wakati kwairi ko ini ndingarega kutapira kwangu nemichero yangu yakanaka, ndipepere uko nokoko pamusoro pemiti here?'
Shona SUB 2002 Bible
Asi muonde wakati kwairi, ‘Ko ini ndingarega kutapira kwangu nemichero yangu yakanaka, ndipepere uko nokoko pamusoro pemiti here?’