Judges 9:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Taurai henyu, ʋarume ʋose ʋeShekemi ʋanzwe, muti: Cinhu cakanaka ndecipiko, kuti muɓatwe ʋushe naʋanakomana ʋose ʋaJerubaari ʋanoȿika ʋanhu ʋanamakumi manomŋe, kana muɓatwe nomunhu mumŋe here? Raŋgarirai ʋo kuti ini ndiri fupa renyu nenyama yenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Bvunzai vose vanogara muShekemu kuti, “Zviri nani kwamuri ndezvipi: Kuti mutongwe navanakomana vose vaJerubhi-Bhaari vari makumi manomwe kana kungotongwa nomunhu mumwe chete? Murangarire kuti ini ndiri nyama neropa renyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Mubvunzo uyu usvitsei munzeve dzavanhu vose vomuShikemu wokuti, ‘Chiiko chamunosarudza pane izvi? Mungade here kuti makumi manomwe avanakomana vaJerubhaari ndivo vova vatongi venyu kana kuti munhu mumwechete chete ave mutongi wenyu? Zivaiwo kuti imi neni tiri hama nehama, tiri veropa rimwechete chairo.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Taurirai henyu, varume vose veShekemu vanzwe, muti, ‘Chinhu chakanaka ndechipiko, kuti mubatwe ushe navanakomana vose vaJerubhaari vanosvika vanhu vana makumi manomwe, kana mubatwe nomunhu mumwe chete?’ Rangariraiwo kuti ini ndiri pfupa renyu nenyama yenyu.”
Shona 2009?
"Taurirai henyu, varume vose veShekemu vanzwe, muti, `Chinhu chakanaka ndechipiko, kuti mubatwe ushe navanakomana vose vaJerubhaari vanosvika vanhu vana makumi manomwe, kana mubatwe nomunhu mumwe chete?' Rangariraiwo kuti ini ndiri pfupa renyu nenyama yenyu."
Shona SUB 2002 Bible
“Taurirai henyu, varume vose veShekemu vanzwe, muti, ‘Chinhu chakanaka ndechipiko, kuti mubatwe ushe navanakomana vose vaJerubhaari vanosvika vanhu vana makumi manomwe, kana mubatwe nomunhu mumwechete?’ Rangariraiwo kuti ini ndiri pfupa renyu nenyama yenyu.”